1 Corinthians 2

Mharidzo yaPauro paKorinde

1Zvino ini, hama, pakusvika kwangu kwamuri, handina kusvika neunyanzvi hweshoko kana hwenjere, ndichiparidza kwamuri uchapupu hwaMwari. 2Nokuti ndakagura kuti ndisaziva chinhu pakati penyu, kunze kwaJesu Kristu, naiye wakarovererwa pamuchinjikwa. 3Uye ini ndakange ndinemwi muutera nemukutya nemukudedera kukuru. 4Neshoko rangu nemharidzo yangu hazvina kuva nemashoko ekugombedzera enjere dzevanhu, asi mukuratidza kweMweya nekwesimba; 5kuti rutendo rwenyu rwurege kuva munjere dzevanhu, asi musimba raMwari. 6Asi njere tinodzitaura pakati pevakakwana, asi njere dzisati dziri dzenyika ino, kana dzevatongi venyika ino, vanozoshaiswa maturo; 7asi tinotaura njere dzaMwari muchakavanzika, dzakavigwa, Mwari dzaakagara agadza nyika isati yavapo dzive kubwinya kwedu; 8dzisina umwe wevatongi venyika ino wakaziva; nokuti dai vakaziva, vangadai vasina kuroverera pamuchinjikwa Ishe wekubwinya. 9Asi sezvazvakanyorwa zvichinzi: Izvo ziso zvarisina kuona, nenzeve zvaisina kunzwa, nezvisina kupinda mumoyo wemunhu, izvo Mwari zvaakagadzirira vanomuda. 10Asi Mwari wakazarurira isu neMweya wake; nokuti Mweya unonzvera zvinhu zvese, kunyange zvinhu zvakadzika zvaMwari. 11Nokuti ndiani pavanhu anoziva zvemunhu, kunze kwemweya wemunhu uri maari? Saizvozvowo zvaMwari hakuna munhu anoziva, kunze kweMweya waMwari. 12Nesu hatina kugamuchira mweya wenyika, asi Mweya unobva kuna Mwari, kuti tizive zvinhu zvatinopiwa pachena naMwari; 13zvatinotaurawo, kwete mumashoko njere dzevanhu adzinodzidzisa, asi Mweya Mutsvene waanodzidzisa, tichienzanisa zvemweya nezvemweya. 14Asi munhu wechisikirwo haagamuchiri zvinhu zveMweya waMwari; nokuti upenzi kwaari, uye haagoni kunzwisisa, nokuti zvinonzverwa pamweya. 15Asi wemweya anonzvera zvinhu zvese, asi iye haanzverwi nemunhu. 16Nokuti ndiani wakaziva fungwa yaIshe, kuti amuraire? Asi isu tine fungwa yaKristu.

Copyright information for Shona